Ezra 1

Sirasi anobatsira vakanga vatapwa kuti vadzokere kunyika yavo

1Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti:

2Zvanzi naSirasi mambo wePezhia:

Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha.
3Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema. 4Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara, vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira zvetemberi yaMwari muJerusarema.

5Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema. 6Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvisarudzira. 7Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake. 8Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha.

9Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita:

ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu;
ndiro dzesirivha dzaiva chiuru;
10pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe;
mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu;
mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi;
uye mimwewo midziyo yaiva chiuru.

11Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana.

Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema.

Copyright information for SnaBDSC